info@buecher-doppler.ch
056 222 53 47
Warenkorb
Ihr Warenkorb ist leer.
Gesamt
0,00 CHF
  • Start
  • Shamhu Yezera Renyu

Shamhu Yezera Renyu

Angebote / Angebote:

Shamhu yeZera Renyu iyeuchidzo yekuti, shamhu kana bazi remuti raunomhara pariri ndiro rinokupa muono wezera rako maringe nekuti rakatunhumara zvakadini! Ichokwadi kuti shiri inomhara pashamhu kana pamufaro wakaringana nayo. Mubhuku iri Memory Chirere anoshandisa chidavado chekutevera nyaya sasarungano. Mune tunzendo nekupemhena, kukwira nekudzika nekuzvongonyoka uchitsvaga pekubuda kana pekupinda napo... Kutsvaga kuti zvose zvinouya pamunhu zvakatangira kupi? Kwozoita izwi remupfuurinenzira ari kuona asi iye asingaonekwe!-Robert Masunga, Lecturer, Birmingham, UKNhetembo dzaVaChirere dzinondiyeuchidza mbira nyunganyunga yandinoridza. Nyunganyunga yaridzwa kwemakore mazhinji zvekuti ungatofunga kuti hapana chimwe chitsva chingaitwe nayo. Ine mazino mashoma, ukapusa hauna zvizhinji zvaunoridza pairi. Saka zvinoda unyanzvi neumhizha sehwaVaChirere kuita zvishamiso uchishandisa chinhu chemazuva ese kudai.-Hope Masike, Gwenyambirakadzi, The Sunday Mail, ZimbabweMubhuku rake rino renhetembo rechipiri kubva pana Bhuku Risina Basa, Memory Chirere ari kuenda mberi nekutitora mapikicha achishandisa mazwi. Tinozviona nokuti tiri vanhu vari kurarama munguva imwechete naye. -Prof Ruby Magosvongwe, University of Zimbabwe
Folgt in ca. 15 Arbeitstagen

Preis

18,90 CHF

Artikel, die Sie kürzlich angesehen haben